In my book I stated that an African man of today needs bonding and is supposed to learn more about it so that he knows how to protect himself and fro. Being seperated from his family. Why so because.
Bhuku ReMBEREKO
“Masungiro aingotirwa munhukadzi” uye masungiro haana kumira zvuchiriko kumhuri dzichirikuita Chikaranga chavo nemazvo”
Munhurume kana kuti mwanakomana, aiendeswa kwasekuru kunova ndiko kwaanodzidziswa remekedzi yehurume hwake nehumambo. Vazhinji ndipo pavaidzidziswa huvhimi vachisiirwa nhaka yamudzinza.
Mukore uno vanhu vaparadzaniswa vavakushanda mhiri kwemakungwa vachimhanyidzana nendarama. Vamwe havachambozivi kuti vaiva sekuru hanzvadzi yamai ndiani kana kuti baba vababa vainzani, uye vakavigwa papi. Angove mazvake mazvake. Kunyanya kuudzwa kuti vemudzinza ndivo varikukukanganisa, kuita kugwisaniswa nevatorwa vasingazivi kuti dzinde rako riripapi.
Dzimwe dzava kungoda kunzi Hombarume asi vana vakangomwararira kwese kwese. Uye vamwe vanoshandisa mashoko ekuti ah ndakaita zvisikana zvakawanda asi barika vasingadi.
Ukaona kukosha kwedzinza rako nenhaka yako haungorare nevanhu uchivapa nhumbu usingavachengeti.
Ndosaka pasichigare kwaiva nrmabarika nekuti mhuri yaichengetwa pamwechete mhepo dzidingamwarariri kwese kwese asi dziripamwechete.
Vanhurume vaisa BEREKA vana kumusana nekuti pamusha paiva nemhuri dzaibatsirana uye dzakabatana. Vana vaidzidziswa nevedzinza zvekuti kana iye munhurume aiziva zvirikuitika mumusha make. Umwe nemumwe aiva ne chijana chake chekuteerera nekuteererwa.
Mbereko nedzidziso yayo kumunhurume yava kudiwa nekuti vana varikuzvarwa mukore uno havachina kubatana nabambo mumusha. Baba vanoda kuteererwa nekuwirirana nevana vavo mumba ngavazive kuti mwana iyeye akazvarwa sei, mudzimai akarwadziwa sei uye mwana arikukura sei. Kwete kungounza ndarama usingazivi kuti chana changu nhasi chafungei uye chataura nani nezvinomushungurudza.
Nezve mangere zvazara kudai, unongonzwa kuti hakuchina muroora anouya, kana mukwasha chaiye. Ndokuparara kwemadzinza.
Nehuvhimi hwemudzinza. Hakuchina achasara nenhaka.
Mufananidzo uyo wakatorwa ku Hartmann college in Zimbabwe kwandakadaniwa kuzodzidzisa nezveMbereko. Catch them young

Written and unedited by Muchaneta
Mbereko aka Bereka Academy
Website: http://www.mbereko.net

Leave a comment